Colossians 3

Ivai vatsvene muchidanana

1Naizvozvo kana makamutswa pamwe naKristu, tsvakai zvekumusoro, uko kuna Kristu agere kuruoko rwerudyi rwaMwari. 2Rangarirai zviri kumusoro, kwete zviri panyika. 3Nokuti makafa, uye upenyu hwenyu hwakavigwa pamwe naKristu muna Mwari. 4Kana Kristu upenyu hwedu achionekwa, ipapo imwiwo muchaonekwa pamwe naye mukubwinya. 5Naizvozvo urayai mitezo yenyu iri panyika, upombwe, tsvina, kushumba kwakaipa, kuda zvakaipa, uye kuchiva, kunova kunamata zvifananidzo. 6Nekuda kwezvinhu izvi, hasha dzaMwari dzinouya pavana vekusateerera; 7imwiwo maimbofamba mazviri, pamairarama mazviri. 8Asi ikozvino imwiwo bvisai zvese izvi, kutsamwa, hasha, uipi, kunyomba, nekutaura zvinonyadzisa kubva mumuromo wenyu; 9regai kureverana nhema, zvamakabvisa munhu wekare nemabasa ake, 10mukapfeka mutsva, anovandudzwa paruzivo semufananidzo wewakamusika; 11apo pasina muGiriki uye muJudha, kudzingiswa uye kusadzingiswa, mutorwa, muSikitia, musungwa, wakasununguka; asi Kristu ndiye zvese, uye ari mune zvese. 12Naizvozvo pfekai sevasanangurwa vaMwari, vatsvene nevanodikanwa, moyo yetsitsi, moyo munyoro, kuzvininipisa, unyoro, nemoyo murefu; 13muchiitirana moyo murefu, nekukanganwirana kana umwe ane mhosva neumwe; Kristu sezvaakakukanganwiraiwo, saizvozvowo imwi; 14zvino pamusoro pezvinhu zvese izvi pfekai rudo, ndicho chisungo chekupedzeredza. 15Nerugare rwaMwari ngarwutonge mumoyo yenyu, ndirwo rwamakadanirwawo mumuviri mumwe; uye ivai vanovonga. 16Shoko raKristu ngarigare mamuri neufumi muuchenjeri hwese; muchidzidzisana nekurairana mumapisarema, nenziyo, nenziyo dzemweya, muimbire Ishe nenyasha mumoyo wenyu; 17uye zvese chero chipi chamunoita pashoko kana pachiito, itai zvese muzita raIshe Jesu, muchivonga Mwari naBaba kubudikidza naye.

VaKristu mumba mavo

18Vakadzi zviisei pasi pevarume venyu pachenyu, sezvo zvakafanira muna Ishe. 19Varume, idai vakadzi venyu, uye regai kuvavavira. 20Vana, teererai vabereki pazvinhu zvese, nokuti izvi zvinofadza Ishe. 21Madzibaba, musatsamwisa vana venyu, kuti varege kuora moyo. 22Varanda, teererai pazvinhu zvese vari vatenzi venyu panyama; kwete nekushandira maziso sevafadzi vevanhu, asi nemoyo wakarurama, muchitya Mwari; 23uye zvese kunyange chipi chamunoita, itai nemoyo, sekuna Ishe, uye kwete kuvanhu; 24muchiziva kuti kuna Ishe muchagamuchira mubairo wenhaka; nokuti munoshandira Ishe Kristu. 25Asi anoita zvisakarurama achagamuchira zvisakarurama zvaakaita; uye hakuna kusarurwa kwavanhu.

Copyright information for Shona